Salvation Army Hymn 61

Rwakaimbwa pausiku,
Rwiyo karekare,
Nengirozi dziri pasi
Namarimba adzo;
Rugare kuvanhu
RwaMambo wedenga,
Nenyika murunyararo
Ngainzwe ngirozi.
1.
Muzvivi nomudambudzo
Nyika yatambura;
Kwapfura nguva refu,
Ngirozi dzaimba.
Vanhu muhondo havanzwi
Rwiyo rwune rudo,
Nyararai imi varwi,
Inzwai ngirozi.
2.
Mazuva anopfura,
Sezvaakaprofitwa;
Nokufamba kwenguva
Rugare rwouya,
Runyararo pasi pose
Serwe kare kare,
Nyika ichazoimbazve
Rwiyo rwengirozi.
3.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.