Salvation Army Hymn 43

Pasi nokudenga,
Ngirozi navanhu
Ngazvibvume neni
M’ponisi wavose;
Ngazvirumbidze Gwayana,
Zvikudze zita raJesu.
1.
Jesu, ndorufaro
Rwepasi nedenga;
Ndiye rubatsiro,
Ndiye zita chete
Rinotipa ruponiso
Nokudzikinura nyika.
2.

Zita rinobvisa
Mutadzi muzvivi,
Rumbo runofadza,
Hupenyu kwaari
Anoimba nziyo itsva,
Mwoyo wova norufaro.
3.
Rudo rwakadzama,
Ruzere nengoni,
Rwakachimbidzika
Kuzotinunura:
Ndingazviparidze sei
Zvamakaitira vanhu?
4.
Zvinoda mumhanzi
Kuzivisa vose,
Kuzivisa mwoyo:
‘She wakavafira,
Ishe wakarovererwa,
Ishe akafira vose.
5.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.