Jehovah, Mufudzi wangu,
Anondigarisa,
Mumafuro nepamvura
Inondifadzisa.
1.
Anorapa mweya wangu,
Kuti ndifambiswe
Pane nzira dzenduramo,
Nezve zita rake.
2.
Kunyange ndiri pakufa,
Handina chokutya,
Nokuti imi muneni,
Nokundinyaradza.
3.
Tafura yangu yazadzwa
Pavanondivenga;
Musoro wangu wazodzwa,
Mukombe wazara.
4.
Tsitsi dzenyu norunako
Zvinoenda neni;
Ndichazogara naMwari
Narinhi, narinhi.
5.