Jesu anehanya here
Mwoyo wangu woda rwiyo
Apo ndakuremerwa ndasuwa
Nenzira yokunetesa?
CHORUS
Hunde, ane hanya neni,
Anzwa urombo hwangu
Apo misi yareba usiku hworebesa
Tenzi aneni
Jesu ane hanya here
Apo nzira ine dima?
Apo zuva radoka, hwa’siku
Anozova petyo here
Jesu ane hanya ndotadza
Kumirira zviyedzo?
Handina zororo mudambudzo
Kana ndichichema seyi?
Jesu ane hanya apondoti
Vadiwa sarayi?
Mwoyo worwadza nekutsemuka
Ichi chiro here kwa’ri