Angave mangwanani zuva robuda
Apo kupenya kwave kudzinga dima
Apo Jesu anowuya nembiri
Nemakore kutora vake
CHORUS
O Jesu ndirini rini, Tisati taimba
Anouya Hariruya! Hariruya! Amen
Hariruya! Amen
Angave masikati kana manheru
Zvimwe pangave pakati peusiku
Ku’ye kujeka wembiri yake Tenzi
Owuya kutora vake
Apo masangano odana Hosana
Anodzika nevatsvene nengirosi
Anetsitsi pahuma yake nembiri
Jesu ogashira vake
O rufaroyi! Uko kusina kufa,
Nekurwara, nekusuwa nekuchema
Tozokumbana naTenzi kumakore
Owuya kuzotora vake