Ndipeiwo Jesu Kristu She,
Ndipeiwo rufaro rwake
Kuti ndidzidzise vose,
Vaende kudenga naye.
KORASI
Ndipeiwo Jesu She,
Ndipeiwo Jesu She,
Kuti vose vamuzive,
Vaponeswe chose naye.
Ndipeiwo Jesu Kristu She
Ndidzidziswe chose naye,
Ndipeiwo Mweya Mutsvene
Kuti Jesu angakudzwe.
Ndipeiwo Jesu Kristu She
Ndinzwisise Shoko rake
Ndigoverane navamwe
Vazvipire kuna Ishe.
Ndipeiwo Jesu Kristu She
Ndinoda umambo hwake,
Iye achatonga vose,
Ndinoda kudzoka naye.