Nhas’ nesimba renyu, ndichamira, She;
Nokuda kwaJesu, ndichamira, She,
Somuti panofamba mvura mhenyu,
Ndichamira, She.
KORASI
Ndichamira; ndichamira, She;
Ndichamira; ndichamira, She;
Somuti panofamba mvura mhenyu,
Ndichamira, She.
Norudo rwaIshe, ndichamira She;
Norugare rwake, ndichamira She;
Somuti panofamba mvura mhenyu,
Ndichamira, She.
Nokuda kwenyasha, ndichamira, She;
Kunyange ndanetswa, ndichamira, She;
Somuti panofamba mvura mhenyu,
Ndichamira, She.
Mumatambudziko, ndichamira, She;
Nesimba norudo, ndichamira, She;
Somuti panofamba mvura mhenyu,
Ndichamira, She.