RCZ Hymn 243

Nyengetera, SHE uripo;
Nyengetera, nzwi unonzwa;
Wakapika chimutenda;
Nyengetera, wodavidza.

Nyengetera panjodziwo;
Nyengetera uchakunzwa;
Nhamo dzako uya nadzo,
Nyengetera unokuda.

Nyengetera pakuidzwa;
Nyengetera unokunda;
Jesu wakamboidziwa;
Nyengetera wasimbiswa.

Nyengetera vimba naSHE;
Nyengetera ukumbire;
Simba rake iguru sei;
Nyengetera SHE unonzwa.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.