Hama yangu yakanaka
Ndiye Jesu Kristu SHE
Ko, ndichamusiya hangu,
Ndidzokere shurezve?
Handingaparadzaniswi
Naye wandinoda, SHE.
Mwoyo, fambidzana naye
Unokuda, umude.
Mhaka ndingapiwa nani?
Kristu wakafireni.
Wakamutswa pavakafa.
Uri mukudenga ‘ko
Zvino unokumbirira
Vakashanangurwawo,
lye unorwira ini,
Kuparadzaniswa tsvo!
Ndinotenda kuti njodzi,
Nzara, nayo nhamowo.
Kana m’nondo nokudzingwa,
Nyange rufu nairwo
Hazvingaparadzanisi
Ini naiye Jesuzve.
Kudo rwoWedenga wedu
Ruri muna Kristu SHE.