RCZ Hymn 99

Ndinofadzwa misi yose,
Ndinokombore.....rwa;
Uye madambudzo ose
Ndinoshanduri.....rwa;
Uye pose pakawoma
Mvura ndinosiiona;
Nyange pausikuwo
Ndinovhenekerwapo.

SHE, mazuva omufaro
Anga akawa.....nda;
Anga achisha’iwa nhamo
Achingoere.....ra!
Njodzi, uye kutambura,
Zvanga zviripo zvishoma;
Namazuva ose, SHE,
Ndovigirwa zvitsvazve.

Bundo, uye nzizi dzose,
Gungwa rakadzi.....ka;
Miti namakore, zvose
Tinokombore.....rwa;
Misi yose tinopiwa
Rudo rwenyu, uye simba;
Bambo, tibetsere’su,
Kuti timuongewo!

Kana paupenyu hwuno
Matipavuri....ra,
Muchazotivigireiko,
Apo pakude....nga?
Kana takapedza rwendo,
Takazova nomukundo,
SHE uchazotipawo
Mubayiro weduko!

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.