Jesu, Mwana wakanaka
Wakazvarwa Betrehema;
Wakaiswa muchidyiro,
Maidyira n'ombewo.
Mai vakamurindapo,
Mwana achivatamo.
Wakaburukira ini;
Wamasimba, Jesu SHE;
Imba yake ndeyen'ombe,
Wazvininipisa sei!
Wakafambidzanawo
Navachena vaivapo.
Paudoko hwake hwose
Waida Maria sei!
Wainzwa mashoko ose
Aaidzidza panamai.
Tose timuteverei,
Uyo wakanaka sei!
Meso edu achaona
Jesu nomufarowo;
Mwana uyo ndiSHE wedu
Unogara ikoko!
Wotiperekedzawo,
Agozotisvitsako!