United Methodist Shona Hymn 346

Vapwere vakanaka vapiwa basa ravo
Vapiwa naM'ponesi, shamwari yavo kwayo
Anoda kuti vana vanojekesa pasi
Kuvenekera misha, kufadza vanhu vese

CHORUS
Toimba nziyo dzedu
Togara zvakanaka
Kufadza madzibaba
Nekuda vadzimai

Rujeko rwevabereki rwatuma pasi pano
Kudzinga dima rese, nekusainzwanazve;
Kutungamira vese murudo nerufaro,
Nekuwonesa nzira kumusoro kune denga.

Jehova wakadisa vakuru pasi pano,
Watuma isu vana kufadza mwoyo yavo;
Takabva kune denga, panzvimbo yakanaka,
Tinova nemashoko, nebasa rakanaka.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.