Tiri pano Baba kuimbira imi
Nekumukumbira hushamwari hwenyu
Hatigoni Baba kumuteerera
Ndizvo tinodisa mwoyo mitsva Baba
Kuti kune pfumvu, tinomukumbira,
Baba, tipfuweyi, tisatorwe, kwete;
Dzidzisayi isu nzira dzakanaka,
Nekutsawukira nzira dzakashata.
Ngatikure, Baba, sezvo munodisa,
Ndizvo tinozova vanhu vakanaka;
Tichengetei, Baba, ese'ya makore,
Tizosvika unhu, tichimushandira.