Taurirayi vana vose
Nebasa raJehovha
Nezvishamisso zvake zvose
Panyika nekudenga
Taurirayi vana vose
Neuchenjeri hwake,
Nerudo rwake rwakakomba
Kunesu vanhu vake.
Ngavadzidziswe kumukudza
Musiki, Samasimba,
Vamutondere nguva dzose,
Mukuru kune vose.
Ngaritakurwe iri shoko
Rifanze pasi pose,
Vazogashire iyi nyaya
Vapwere vamangwana.