Mwari makatipa pasi
Kuti timbogara pano
Makatipazve nemombe
Dzekurima minda yedu
CHORUS
Ndinotenda kuna Baba
Ndinotenda kuna Baba
Ndinotenda kuna Baba
Ndinotenda nemasimba
Tinoda kumufadza nhasi
Nekuita nzira dzenyu,
Semupiro waEberi,
Wakamufadzisa mwoyo.
Takabata mumavoko
Zvipo zvedu zvekumupa,
Tozvidzora kwamuri,
Izvo makasombotipa.
Tinoenda kumba dzedu,
Ngatikomborerwe nemi,
Mwoyo yedu ngaizadzwe
Nekusimbiswa nemi.