Rudo rweavo vakatenda
Rwakanakisa zvirokwazvo
Vanozomutswa nerufaro
Vachazogara naM'ponesi
Rufo rweavo vakatenda
Ruri zambara rekudenga,
Upenyu hwavo pasi pano
Hwakatutsirwavo naMwari.
Rufo rweavo vakatenda
Runosimbisa isu tese,
Tinozogara nerufaro,
Tinozotenda Mwari wedu.
Rufo rweavo vakatenda
Runopangidza kune vese
Kuti rutendo kuna Jesu
Runoponesa kana vafa.
Rufo rweavo vakatenda
Haruna simba kuvatyisa,
Kuziva Mwari kwakanaka
Kupinda kundogara chete.
Rufo rweavo vakatenda
Rwakanyarara rwakanaka,
Vanomirira uyo musi
Tichakura nerufaro.