Kune nzvimbo yakanaka
Kuchaenda vanotenda
Havachazoparadzani kuti vaayo
Tinogadzirira zvino
Kuenda iyo kwakanaka
Tinogara nekugara tisongane
CHORUS
Tisongane tisongane
Kune muti weupenyu tisongane
Apo tinotama pasi diko tinoenda iyo
Hatichapetuki hama tisongane
Pasi pano handi pedu,
Handi musha wedu kwete,
Kune musha wedu uri kumusoro;
Kwekufara nekufara,
Hakuchina dima iko,
Ngativambe kuenda iko, tisongane
Uko tinoziva zvinhu
Zvatisingazivi pano,
Tinokura mukuziva neungwaru,
Tinofambirana iko,
Tinofarirana iko,
Ngatiende iko, hama, tisongane