Pasi pano tinochema
Tinorwadzwa ndisatani
Tinoedzwa zvirokwazvo
Tichitambudzika kwazvo
Asi tinoziva kuti
Pano handi musha wedu
Tichaenda kune nyika
Kuna Baba wakanaka
CHORUS
Pano handi musha wedu
Tinoziva imwe nyika
Tinoenda nekufara
Iyo tirikudaidzwa
Takaiswa pasi pano
NdiMusiki wedu Mwari
Kuti tizogadzirira
Ne'yo nzvimbo yakanaka,
Iyo Jesu akaenda
Kofanira kugadzira,
Akatisiyira izwi,
"Ndichadzoka komutora."
Kuti tichishaya kudya
Nezvipfeko zvakanaka,
Kuti hama dzativenga,
Dzatituka zvirokwazvo,
Tine hama yakanaka,
Inopinda hama dzese,
Inogara pakudenga
Kugadzira nzvimbo yedu.