Uyai nyamusi vanhu vepasi
Madanwa zvino naTenzi M'ponesi
Ari pakati pedu nesimba
Wati uyai mese
CHORUS
Zvakanaka kuenda kumusoro
Kusongana navo vekudenga
Pamwe naJesu Kristu M'ponesi
Kogara navo iyo
Regai vacheche kuti vauye,
Ngavafarise nyamusi mumwoyo,
Ngavasarudze Mwana waMwari
SaMuponesi wavo.
Uyai, vabari, musazogare,
Songanayi nesu, tifare pamwepo,
Ngatimukudze, Mwana waMwari;
Uyayi zvino pano.