United Methodist Shona Hymn 263

Ngatiite zvakanaka
Kune avo vanochema
Ngatiite zvakanaka
Kune vanotambudzika
Kuti tizokomborerwa
Parwendo rwedu pano
Ngaticherechedze avo
Vane mwoyo yeurombo

CHORUS:
Nguva yedu ipfupi kwazvo
Nguva yedu ipfupi kwazvo
Hatizivi musi uyo
Mwari anotidaidza

Ngatitaurire avo
Vanoshaya Muponesi,
Vakarasa nzira dzavo,
Vaakufamba kune rufo,
Kuti tizofara kwazvo
Neupenyu hwerutendo,
Ngatishinge kutaura
Kuti tinopona seyi.

Vese avo vari shure
Vanowona nzira dzedu,
Vadikanwi vari shure
Vanofunga nzira dzedu;
Ngatifambe zvakanaka
Pane nzira muupenyu,
Mwoyo izokura kwazvo
Nerutendo kuna Jesu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.