Zvakanaka kuva pano
Murujeko rwake Jesu
Nekuziva nzira yedi
Nzira yekudenga
CHORUS:
Ngatifambe murujeko
Murujeko rwake Jesu
Ngatifambe zvakanaka
Murujeko rwake
Zvakanaka kuva pano
Kudzidziswa nekudzidza,
Nekukura misi yese
Murujeko rwake.
Zvakanaka kuva pano,
Tichiimba nziyo dzake,
Kuti atikomborere,
Muupenyu hwese.
Mumashure meupenyu,
Tichaenda kuna Baba,
Tichigara naye iyo,
Nekusingaperi.