United Methodist Shona Hymn 206

Nerutendo tinoziva
Mwari wakasika pasi
Zuva mwedzi nenyeredzi
Zvese zvinobatwa ndiye

Nerutendo Abrahamu
Wakateerera Mwari,
Akaenda nyika m'kanza.
Akakomborerwa ndiye.

Nowa wakatenda Mwari,
Akavakavo ngarava,
Wakateerera kwazvo,
Akazoponeswa ndiye.

Nerutendowo Enoki
Wakafadza Mwari wake.
Ndizvo haasakafaba,
Wakatorwa kune denga.

Tinoziva tinogara
Murutendo kuna Mwari,
Nekuita zvakanaka
Kuna Mwari Baba wedu.

Zvino, Baba tinodisa
Kuti tive nerutendo,
Rwekuita vanhu kwavo,
Ndirwo tingafadza imi.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.