United Methodist Shona Hymn 181

Vanhu vese pasi pano
Vaigara mune dima
Havasaiziva mwenje
Havasaiziva Jesu

CHORUS
Asi Mwari wakatida
Nekutuma mwana wake
Koponesa vese avo
Vanodisa kuponeswa

Jesu Kristu mweya wedi
Wekuvenekera pasi,
Anokoka vanhu vese
Kutambira ruponeso.

Avo vakazvirereka,
Vakarasa izvo zviro
Zvaitungamidza pasi,
Vakabuda mune dima.

Zvino tinofara kwazvo
Nekuziva ruponeso,
Nekugara zvakanaka,
Nekuimba, Haleluya.

Korasi: (mumashure me vesi 4):
Haleluya! Haleluya!
Jesu wakauya pasi
Kuveneka nyika yedu,
Kuponesa vanhu vese.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.