Ndinoda iyi nyaya
Yezvinhu zvekudenga
Zvembiri yake Jesu
Zverudo rwake iye
Ndinoda iyi nyaya
Nekuti iri idi
Kugutsa mwoyo wangu
Nepfungwa dzangu dzese
CHORUS
Ndinoda iyi nyaya yaJesu M'ponesi
Yekuti wakauya kofira vanhu vese
Ndinoda iyi nyaya
Nekuti yakanaka
Kupinda zvese pasi,
Kupinda pfuma dzedu;
Ndinoda iyi nyaya
Yekutondedzwa ndiyo,
Mupfuma dzemunyika
Ndakange ndakanyura.
Ndinoda iyi nyaya,
Yondipa rushingiso
Murwendo pasi pano,
Murwendo rwekudenga;
Ndinoda iyi nyaya
Kutaurira vamwe
Neshoko reupenyu
Kunyika dzese dzese.
Ndinoda iyi nyaya,
Kupinda dzimwe dzese.
Ndinonzwa ndine nzara
Yeiyi nyaya huru;
Yogutsa mwoyo wangu,
Ndinoda iyi nyaya,
YaJesu Mambo wangu,
Kufanza kune vamwe.