Pasi pemakumbo Jesu
Pane mazwi akakomba
Nzvimbo yakanaka kwazvo
Apo ndakasunungurwa
Pasi pemakumbo Jesu
Ndinodzidza misi yese
Rudo rwakafira ini
Ndashamiswa zvakadai
Pasi pemakumbo Jesu
Ndakakomborerwa pano,
Pano ndakazvirereka,
Zvino ndine ruzororo;
Pasi pemakumbo Jesu,
Nzvimbo yekumukumbira.
Ndotambira simba pano
Rekuteerera Baba.
Pasi pemakumbo Jesu
Ndinogara nekugara,
Ndoda kudzidziswa nemi,
Ndoda mwoyo wakachena,
Ndicheneseseyi, Tenzi,
Mundiite mwana wenyu
Kuti ndijekese rudo
Muupenyu hwangu hwese.