Nzira dzenyu Baba dzakanaka kwazvo
Kana dzichinetsa ndinotenda imi
Nditungamireyi ndinomutevera
Handina ungwaru kuzvisarurira
Handimukumbire zvinhu zvakanaka,
Asi munondipa zvinondinakira;
Ndinodisa kwazvo kufanana nemi,
Uko kunopinda zvinhu zvese zvimwe.
Ndinotsvaka musha wevatsvene, wenyu
Ndinosiya zvese kuti ndikasvika;
Ndizvo ndidzidzisei izvo ndinoshaya
Kundigadzirira iyo nzvimbo tsvene.
Nzira dzenyu, Baba, dzakanaka kwazvo
Ndinofadzwa ndidzo, dzimwe handidiba;
Muri zvinhu zvese kune mwoyo wangu,
Nzira dzenyu dzese dzine ndaramiso.