Mwari wedenga dzvene
Baba wevanhu vese
Tinangisei nhasi
Muve netsitsi kunesu
CHORUS
Baba wedu
Ivai netsitsi kunesu
Tiri mudima rekusaiziva
Ivai netsitsi kunesu
Takamusiya kare,
Takasarura kuipa,
Tinodzokera nhasi
Kuzodzitsvaka nyasha.
Tochiregera zvinhu
Zvinokuvadza vanhu,
Tiri kumukumbira
Kuti tisunungurwe.
Tiri kuwona imi,
Tiri kutenda imi,
Toda kugara nemi,
Toda kufamba nemi.