Ndiani uyu Mambo mutivi
Anogugudza kuti apinde
Chinotaureyi chiremba cheminzwa
Anotidaidzira
CHORUS:
Inzwayi izwi raJesu kunemi
Wakamutambudzikira zvizhinji
Chinotaureyi chiremba cheminzwa
Vana muzarirei
Munofireyi, muri mudima,
Neyi musikamuzarurire?
Jesu shamwari yevese vatadzi,
Muzarurirei zvino.
Neiko muchipfiga misuwo?
Muzarurirei nekukasika
Muzarurirei asati aenda,
Muti, Pindai Mambo.
M'ponesi, ndinonyara zvikuru,
Makamirira aya makore,
Ndazarurira musuwo kunemi,
Pindai mumwoyo wangu.