United Methodist Shona Hymn 111

Uri kutambudzikireyiko
Zviudze Jesu zviudze Jesu
Muponesi anokuponesa
Zviudze Jesu nyamusi

CHORUS:
Zviudze Jesu zviudze Jesu
Ndiye shamwari nehama
Hakuchina umwe wakadaro
Zviudze Jesu nyamusi

Misorodzi ndeyeyiko, hama?
Zviudze Jesu, zviudze Jesu,
Munyaradzi anokunyaradza,
Zviudze Jesu, pachako

Uri kutya dambudziko here?
Zviudze Jesu, zviudze Jesu,
Uri kutya ramangwana here?
Zviudze Jesu nyamusi.

Uri kutya rufo here, iwe?
Zviudze Jesu, zviudze Jesu,
Uyo wakakunda rufo rwake,
Anozokupa rukundo.

Unoshaya anotungamira,
Zviudze Jesu, zviudze Jesu,
Mweya M'tsvene ndiMutungamiri,
Zviudze Jesu nyamusi

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.