Nhasi ngatimutondere
Uyo wakafira vese
Arikudaidza vese
Anovada zvirokwazvo
CHORUS:
Uyai uyai zvino uyai zvino
Uyai zvino kuna Jesu
Musamire uyai zvino
Nguva yakanaka zvino
Zvimwe makafamba kure
Kubva nzira yakanaka,
Jesu anosunungura
Kuti muchitendeuka.
Jesu anodisa avo
Vanochema nezvitadzo,
Anovapa mwoyo mitsva,
Anoita vana vake.
Tambirayi chipo chake,
Munopiwa ruponeso,
Tambirayi runyararo
Nerufaro rwakanaka.