Mbiri kuna Mwari nezva'kaita
Wakada pasi, wakapa Murumbwana
Wakafira izvo zvitema zvedu
Wazarura m'suwo tipinde tese
CHORUS:
Kudzayi M'ponesi, pasi ngarinzwe
Kudzayi M'ponesi vanhu ngavafare
Uyai kuna Baba neMurumbwana
Mupeyi mbiri nezvaakaita
Ruponesso rwatengwa neropa
Chitsidzo chaMwari kuvadaviri
M'nyangadzi mukuru anodaira
Jesu anosunungura ipapo
Zvikuru waita wazvidzikisira
Tofara zvikuru naye M'rumbwana
Asi kushama nekufamba kwedu
Kunokura apo taona Jesu