1. Panguva yokuteura,
Ndinobviswa pazvenyika;
Ndinoiswa kuna Baba,
Ndikumbire zvandashaya;
Panguva yokutambudzwa,
Mweya wangu wanyaradzwa,
Ndinokunda mukuedzwa,
Panguva yokuteura.
2. Panguva yokuteura;
Inguva yokukumbira
Kwaari anovimbika
Anogarokomborera;
Ini,anondidaidza,
Ndimutsvake ndichitenda,
Naizvo ndomugarira,
Panguva yakuteura.
3. Panguva yokuteura,
Ngandiwane kuyamurwa
Kudzamara ndisvike ‘ko
Pamagumiro erwendo;
Mubairo wokuDenga;
Ndichaona kupundutswa
Kwenguva yokuteura.
William Walford