Salvation Army Hymn 264

1. Ndipei rutendo kubisa

Makomo o’upenyu hwangu;

Mundipe rudo rwomwana

Rwokushandira ’She wangu;

Rudo rwenyu ngarukunde

Mwoyo wangu munazvose.

2. Ndoda chido chakasimba,

Ndipeizve kutsungirira,

Vaponiswe vakaipa,

Vabvutwe kubva mukufa,

Varegerwe naMwari

Vanunurwe noM’ponisi.
3. Ngandisaparadze nguva,

Asi, kushandira vamwe;

Misi igoshandisirwa

Avo vasingamuzive
Ndishande nom’towo wavo


Rudo rwenyu ruve navo.



4. Zvipo zvangu zvose, Ishe,

Mumaoko zvigam’chirei

Ndigare ndichiparidza
Zita renyu ndorikudza;


Nguva yangu ngaipere


Mukuparidza Jesu ’She .
5. Ndizadzisei mwoyo Ishe
Norudo rwenyu rweDenga;
Kuti ndisimbararezve,
Ndivade sokwenyu kuda;
Kuti ndigogarufudza,
Makwai amakafira.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.