1. Jesu Kritsu, munodiwa,
Ndinoti, muri wangu;
Kana muchiugamuchira
Ndokupai mwoyo wangu.
Hareruya, ndaponiswa,
Ngaritendwe Gwayana;
Ropa rake raparadzwa,
Iro randishambidza.
2. Torai rudo rwangu rwose,
Pfungwa, nendangariro;
Chizadzei chimiro changu
NoMweya wenyu zvino.
3.
Ndinobata nguwo yenyu,
Ndotambidza maoko;
Ndinoda kuti ndipihwe
Kurapwa norunako.
4.
Rudo rwenyu, Muponisi,
Runondizadza mwoyo;
Zvaitwa, ndahugam’chira
Utsvene hwenyu zvino.
5.
Zvino, ndiri munhu mutva,
Noupenyu hutsvene;
Mweya wangu wavandudzwa,
Ndina Kritsu amene.