O MWARI, NDOKUPEIKO?
O God, What Offering Shall I Give?
1. O Mwari, ndokupeiko,
Ishe wedenga nenyika?
Mweya, nenyama gamu’chirai,
Chipo chitsvene, chipenyu,
Kunyange chiri chiduku,
Ndinopa zvose kwamuri.
2. Zvino, kana wangu mweya,
Hausisiri wangu, sva;
Uchengetei uve wenyu,
Ufadzisei, ubvirise;
Mweya wangu uratidze
Kubwinya kwezuva renyu.
3. Tiratidzeiwo zvamuri,
Kuti tigokurumbidzai
Tipei ungwaru, norudo,
Tizadzisei noutsvene
Hunopfuura goridhe,
Hunokunda nyamatsatsi .
4. Ndipeiwo simba roMweya,
Sezvo ndine zita renyu;
Pfungwa dzangu, namabasa,
Mamuri zvigoungana.
Rudo rwenyu, misi yose,
Ngarurumbidzwe Ishe.