1. Ndine rake simba, Mambo,
Rokutonga nguva dzose;
Nemwoyo wake ndowangu,
Nezvaanoda ndoita.
2. Anoda mwoyo uchene
Kubva manyangadzo ose;
Anokumbirazve chido,
Chorudo runoterera.
3. Anoda ndimushandire;
Mumabasa anokosha,
Anoda tsoka dzifambe
Nesimba mazuva ose
4. Anoda miromo kuti
Itaure zvakachena;
Ndangariro, pfungwa, zvose,
Zvimufadze, Ishe wangu.
5. Anoda uduku hwangu,
Nokuvavarira idi;
Nezvandigona zvose
Izvo zvingamushandire.
6. Ishe,kwamuri ndouya,
Ndofara kukushandirai;
Mondipa zvandichaita;
Ndokupai upenyu hwangu.