Ishe, ndinozvipira
Pachangu kwamuri;
Nguva nendangariro
Dzaibatwa neni.
Ndanzwa kudaidzira
Kwenyika, nokwenyu,
Nditumei kuyamura,
Ndiripo ‘She wangu.
1.
Ndiripo ‘She, nditumei,
Ndiripo ‘She, nditumei,
Ndinozvipira ndichiterera,
Ndiripo ‘She, nditumei,
Kare handakakudai,
Ndakazvida bedzi,
Asi, ndakatarisa
Vanhu varasiki.
Zvino handingasiye
Mweya yavatadzi,
Vashandiri vashoma,
Mabasa mazhinji.
2.
Inzwai, Mwari weDenga
Zvivimbiso zvangu;
Kwamuri ndozvipira
Noupenyu hwangu.
Kunyange ndichizvidzwa
Neshamwari dzangu,
Ndinokupai muviri,
Diramhamba rangu.
3.