Salvation Army Hymn 103

Let Me Love Thee
Ngandikude, unoziva
Zviri mumwoyo wangu;
Rudo urwo rwune simba,
Rukupe zvose zvangu,
Mitoro yoreruka,
Kusuwa kunopera,
Kana zvoitirwa Ishe,
Nokufarira iwe.
1.
Ngandikude Ishe,
Utore mwoyo wangu,
Nyasha dzako chete,
Dzougutsa mweya.
Ngandikude zvionekwe,
Zvawakandiitira;
Ndiyamure ndigotenda,
Ndichiona Karivhari,
Ngandione rudo rwenyu,
Runyadze zvivi zvangu,
Nokutambudzika kwenyu;
Rudzikinuro rwangu.
2.
Ngandikude, Ndigofara,
Kana ndichikudisisa;
Mukufara, mukusuwa,
Ndingawane zororo.
Rudo runorerukisa
Kusuwa nokurwadzwa;
Rudo haruchazobvunza,
Ruchakunda mukurwa.
3.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.