A Little Ship
Kangarava kakafamba
Pam’soro pegungwa;
kakaenda zvakanaka,
Zvose zvichapenya.
1.
Asi dutu rakauya,
Rine simba guru;
Makore akavhuvhutwa,
Gungwa rikamutswa.
2.
Kunze kwomumwe, vakatya
Kunyura mugungwa;
Asi iye wakarara
Abatwa nehope.
3.
“Tenzi tofa tiponisei!”
Vose vakachema;
Akamuka worayira
Dutu rinyarare.
4.
Iye kudutu wakati:
Ibva, wanyarara;
Mhepo yakabva yati mwi
Yanzwa izwi rake.
5.
Toziva waive Ishe;
Hama noM’ponisi;
Kune vanovimba naye
Haangavasiye.
6.