Kune gomo riri kure,
Kunze kwaro guta;
Kwaakarovererwa, ‘She,
Kwaakatifira.
1.
Hatingazive kurwadzwa
Kwaakatinzwira;
Asi tinoziva kuti
Wakafira isu.
2.
Wakafa kuregerera,
Nokutichenesa,
Kuti tiende kudenga;
Tiponiswe naye.
3.
Kwakanga kusina mumwe
Wokutinunura;
Ndiye wozarura suo
Tipinde kudenga.
4.
Wakatidisa zvikuru,
Nesu ngatimude;
Tivimbe neropa rake,
Nokumushandira.
5.
MAIWE! M’PONISI WANGU