Tererai, ngirozi,
Dzinorumbidza Ishe;
Rugare ruve panyika,
Vanhu vawadzaniswe.
Farai, marudzi ose,
Nengirozi dzokudenga,
Pamwechete tiimbe:
Wazvarwa muBhet’rehem.
1.
Tererai, ngirozi,
Dzinorumbidza Ishe.
Anokudzwa nedenga,
Kristu, ‘She, asingafe,
Anouya kuvanhu,
Wazvarwa nemhandara;
munhu, asi ndiMwari,
Mukwazise ndiMwari,
Wakada kuva munhu,
Jesu ndiye Mwari.
2.
Tomukwazisa Mambo!
Kwaziwa zuva dzvene!
Anounza chiedza,
Chinorapa varwere.
Wakasiya kubwinya,
Vanhu varege kufa;
Iye wakazvarirwa,
Kuti vazvarwe patsva.
3.
Ungazive rwiyo rwakaimbwa
Nengirozi kare, here?
Denga rakazadzwa nokuimba
Napasi pakadairawo.
1.
UNGAZIVE RWIYO RWAKAIMBWA?