Tora zita roM’ponisi,
Mwana unotambudzwa;
Richakupa kunyaradzwa,
Ritore pakuenda.
1.
Panyika kudenga,
Izita rakanaka,
Panyika nokudenga,
Izita rakanaka.
Tora zita rake Jesu,
Senhowo pakuyedzwa;
Ukakombwa nezviyedzo,
Nezitaro teura.
2.
Jesu, zita rakanaka,
Rinotipa rufaro;
Kana achitigam’chira,
Tomuimbira nziyo.
3.
Tichikotamira Jesu,
Tichimupfugamira,
Tichazomugadza Mambo,
Kana rwendo rwapera.
4.