Nyenyedzi yakabud’ usiku, Yakapenya nembiri huru
Yakatungamira vazivi , Kuna M’ponesi kudanga
CHORUS
Inopenya, iye zvino, Ichikupenya nyenyedzi!
Inopenya, iye zvino, Yeruponeso, nyenyedzi
Vakaziviswa nenzvi redi, M’nguva yeiyi nyeredzi;
Vakateera nyenyedziyo, Yayipenya iri Kristu
Tinoiteera sevakare, Mwenje wenyika wataurwa;
Tinoteera mwenje wayo, Dakara tisvike kudenga