Nzira yenyu basi, Kana inedima!
Ndibate ruoko, Ndipangidze nzira
Handingasarudzi, handinga giniba
Asi ndisarudzire, Kuti ndifambe nemwi
Umambo ndehwenyu, nenzira ndeyenyu
Musim’ ndoraswa, Baba m’kombe wangu
Zadza nerufaro, sezvamunoda imwi
Ndisarudzireyi sekuona kwenyu
Ndisarudzireyi, shamwari nezvese
Ndisarudzire hama, nhamo neupfumi
Ndisasarudzeba, zvikuru nezvese
Iva simba rangu, muchengeti wangu