Mwenje, nditungamire, Mudima tungamira
Ndiri mudima, Kure nemusha tungamira
Ndichengete, Handidi kuona zvirikure
Tsiko rimwe chete
Kare ndaisa kumbira, Kuti ndibatsirwe
Ndaizvisarudzira, Zvino nditungamire
Ndaidisa nzira inopenya
Ndaidada, ndikanganwireyi
Simba renyu randikomborera, Tungamira
Munzvimbo dzese, Dzakaipa, nedzakanaka,
Nengirosi dzichinyemwerera,Dzo ndaida,
Ndanga ndisinadzo