Ndina mponesi anondimirira, Kana ndisina shamwari dzepasi
Anondichengeta, nemutsa ne nyasha, Dano Tenzi vangu varivakowo
CHORUS
Ndokunamatira, Ndokunamatira, Ndokunamatira, Ndokunamatira
Ndinaye Baba, akandipa ini, Tariro yeupenyu iri idi
Achandidaidza kwaari kudenga, O daro arega ndauya newe!
Ndine nguwo yakachena kwazvowo!, Yakarindira kuti ndiyione!
O kuti ndoyigashira ichipenya, Newe ungagashira yako here?
Ndakapiwa runyararo idi, Urwovo shamwari dzenyika dzisina
Muvambi nemupi wacho ndiJesu, Namatira ur’ piwezve newevo
Jesu akuwana, udzawo vamwe, Kuti Jesu ndi Muponesi wako
Namata, Jesu avaunze kumbira, Unopindurwa, sezvo ndapindurwa