Ngati-ungeyi maranzi,Akaraswa munzira
Ngati chengeteyi mbeu, Ngatiraseyi hundi
Tiwane zororo redu, Tikomborerwe nhasi
Nemwoyo wekutivira,Bvisa mhinzwa munzira
CHORUS
Kusha mbewu dzemutsa, Kusha mbewu dzemutsa
Kusha mbewu dzemutsa, Tokohwa gare gare
Hatina hanya nerwiyo, Dakara rwazopera
Hatifariri maruva, Dakara azopera
Hationiba kunaka, Kwedenga muzhizha
Kana kuri patsanisa, Kunere muchirimo
Dai tichiziva, Kuti mwana angatonhorwa
Kuti asina kufuka, Zvisingatinetsiba
Mwana angaona here, Kuti takazarirwa
Kuti tingazarirwa here, Neminembo yeminwe
Minwe iyo yatonhora, Inoti tondedzazve
Nemabasa akaipa, Emunzira yekare
Inotitondedza seyi, Nezvakaipa zvedu
Tisazo kushe mhinzwaka, Asi maruva kwazvo