Tinoda zita raJesu, Kukunda amwe ese
Rinozadza wekudenga, Rinofadza vepasi
CHORUS
Zita rake rinokunda amwe ese
Zita rake rinokunda amwe ese
Hakunazve rimwe zita, Kana mwoyo wasuwa
Hakunazve rimwe zita, Kana mwoyo wofara
Ndinovimba ndicham’ona, Ouya ane mbiri
Ndinovimba ndichatorwa, Mweya wangu wofara
Kuti achida ndishande, Mumunda make Tenzi
Ndoda andikomborere, Mumazvi nemabasa
Kana oda kuti ndife, Ndingafire kwaari
Ndoda kuti ndisimbire, Nekugara kwaari