Maranzi emutsa wababa, Anobva kumba yake,
Asi otichengetesa, mwenje mupasi rino.
CHORUS
Rega mwenje yeny’-ipenye, ipenyere munyanza!
Zvimwe pan’-anyura m’nyanza
Uyo mungaponese
Pasi razara nedima, mananda otinhira;
Vazhinji vakarindira, kuona mwenje yedu.
Pfutisanyi mwenje hama! vamwe varimudima,
Varikuyedza mudima, Kusvika kumagumo.