Munyika mauri urimufambi
Inzwa wodaidzwa Mwana! Wangu
CHORUS
Uya! M’fambi uya! Uya kumusha!
Wakapumhuka kure, uya kumusha
Kunyika yenzara, Ibva kwairi
Uya kurufaro, Mwana wangu!
Nyika yemirenga, wongwarira iwe
Waneta momwoyo, mwana wangu
M’siwo wakashama, uchiri wangu!
Ndichirikukuda mwana wangu
Wapumhuka kure, woenda mberi?
Dzok’ usunungurwe, mwana wangu!
Kudya kwagadzirwa, unodikanwa!
Uya kuzororo, mwana wangu!
Hauna shamwari, kana nemusha
Ndichirikukuda, mwana wangu!